Listen

Description

“Ramba Kudhadhamurwa Pfungwa Nowakaipa” 

Scripture: Psalm 23:4 

Preacher: Pastor Takudzwa Chikepe 

https://www.1sail1art.org/the-sailors-review 

https://music.apple.com/us/artist/vachikepe-the-poet/1602341698 

“Some of the Sermon’s Quotable Quotes” 

1. Kune mumwe munhu arikurwisana nemhuka dzemusango! Mamwe matambudziko atiri kusangana nawo ngatisadhipise! Mwari dzimwe nguva vanoda kuti umboone kuti iwe semumhu umbori munhu akaitasei? Tiri kuitwa inonzi, “Mental Bombardment”! Kudhadhamurwa-dhadhamurwa kwepfungwa, iroro raita dambudziko iroro. Musoro wedu kazhinji ungori hwani! Musoro mumwechete, capacity yedu dzimwe nguva inokwanisa kunetsekana! 

2. Saka hypothesis yangu yandinayo ndeyekuti kufunga kuchange kwava “Old Fashion” very soon. Kufunga kuchasara kwabuda mustaira! Tisu hedu takutofungirwa takagara! 

3. Mukufunga ndimo maunosangana nehukuru hwaMwari! Mukusafunga ndimo maunodhonzerwa mumanomano nowakaipa! “Reliance Syndrome”is going to make us forget ourselves and it os going to make us forget ourselves and it is going to cause fear yakaomarara. Mumwe munhu kuti abude mumba asina phone haichatosiyike, chakutoita kunge chikwambo! 

4. Kombuta yako ikafa, mumwe munhu anokwanisa kutosvika pakustroka! “We are becoming a new type of people”, uye zvichakonzeresa fear yakanyanyisa. Dai Mwari vatibatsira tive better than makombutaz. Kombuta inoziva zvese zvako, “that is how vulnerable we have become”, nokuti hapana chaisiri kuziva! 

5. Zvirimo mupfungwa dzako hapana aimbofa akazviziva, asi manje manje zvese zvichange zvakuzivikanwa nekombuta! Tikararama hupenyu hwekuziva zvese zvedenga, zvichatibatsira muhupenyu hwedu hwatiri kurarama! 

6. SaDavid, ngatisvike patinoziva kuti Ishe anesu! Mambo David pavarikutaura in Psalm 23, havasi kufungidzira, it is a declaration! “God will never leave me nor forsake me”, haisi fungidziro iyi, hausi munamato wekukumbira uyu, “It is a declaration!”.  

7. Ngatisvike pakubvunza kombuta kuti, wakagamuchira Jesu Kristu saIshe nemuponisi wako here? Svika pakutizwa nekombuta, ichiti uye wekutendeutsa vamwe auya! Ngatisvike pakudhakwa nezvinhu zvaMwari! Makomo aya achasvika pakukandwa aya! Kristu watinonamata uyu, haasi Kristu wekushuwira uyu! Dai Mwari watibatsira tasvika pakudhakwa nemweya waMwari.... 

 

ENJOY! :-)